Soul Jah Love - Hupenyu Hautengeke lyrics
[Soul Jah Love - Hupenyu Hautengeke lyrics]
Vataurire kuti handibatike
Handikundike handichadhiniwa
Kunyangwe ivo vandituke
Pandakazvarwa vamwe vakauya nezvipo
Vachitotiwo makorokoto
Vaishora vamwe vachingoti hapana
Ndopazozvarwawo zviroto
Nekufurira mai vamwe vemumaraini
Mwana mukande muchoto
Vaisaona zvemberi, vaingoti hapana uyu
Mwana uyu matoto
Munonzwa zvakunzi ndini ndakamuimbisa
Ndini ndakamuchenesa ndakamutengera hembe
Ndini ndakaita kuti zvifambe
Saka imi musazvirambe ndini ndaimudriver
Ndini ndakaita kuita kusurviver
Ndini ndakamupinza kumberi
Asi hupenyu ndewaMwari hameno nei
Hakuna munhu anochengeta munhu
Munhu anochengetwa naMwari
Haachengetwe nemari unonzwa zvakunzi
Ndini ndakamuchengeta kunge ndiwe Mwari
Hakuna munhu anochengeta mumwe Munhu
Munhu anochengetwawo naMwari
Kwete nemari kwete nemari inzwa iwe shamwari
Unonzwa zvakunzi
Wapaziva pandakakupa 5 dhombie
Uchiti urikuda kunokwira kombie
Ndokundichengeta kwacho here
Nhai iwe sei usinganyare
Ndini ndakamusimbisa
Vanhu vese vachida kumupikisa
Ndini ndakamubatsira vachimurwisa
Ndini ndakamuwinisa asi Mwari
Hupenyu hautengwe nemari hazvisi zvepandarii
Ndohupenyu usarambe
Hakuna munhu anochengeta munhu
Munhu anochengetwa naMwari
Haachengetwe neMari unonzwa zvakunzi
Ndini ndakamuchengeta kunge ndiwe Mwari
Hakuna munhu anochengeta mumwe munhu
Munhu anochengetwawo naMwari
Kwete neMari kwete neMari inzwa iwe shaMwari
Pamwe pacho kana uchinge wapa iwe
Ipa nemoyo wese kana uchinge wabatsira
Gara waratidzira kwete kuzobvunza ramangwana
Kuda kuzonzi ndini ndakamubatsira kuroora
Ndini ndakamubatisa kutsvaga dhora ndini nxa
Anga arigora uyu anga arit'saga
Ndini ndakamuratidza zvine swagga
Ndini Aah ah bvunza Kwagga ndini ndakano
Hakuna munhu anochengeta munhu
Munhu anochengetwa naMwari
Haachengetwe neMari unonzwa zvakunzi
Ndini ndakamuchengeta kunge ndiwe Mwari
Hakuna munhu anochengeta Mumwe Munhu
Munhu anochengetwawo naMwari
Kwete neMari kwete neMari inzwa iwe shaMwari
Zvimwe zvese munotenga mabenz
Moita futi mazimari finance
But ka Satan jamba mafence
Vataurire kuti ndiri weromance
But manje pamuchati uyo ibenz
Musingazive ndiye wacho aneStanzi
AnemaPlans achaita maFans
Ndiye achauya kumba nemaRands
Asi kana muchinge mapa ipai neMoyo wese
Kana muchinge maita itai neMoyo wese
Kwete kuzonoreva ramangwana
NdoHupenyu haufe hwakakwana
Mari haimbokukwanira asi Ndati hakuna
Munhu anochengeta mumwe munhu
Munhu anochengetwa naMwari kwete neMari
Hazvitengeke hupenyu hautengeke
Hupenyu hautengeke
Vawonesei vazive kuti Mwari
Ndiye muridzi weZvinhu izvi
Kwete kuti ndini ndaimusungira chamba
Asati aimba